Revelation of John 9

1Mutumwa wechishanu akaridza hwamanda yake, ndikaona nyeredzi yakanga yawira panyika ichibva kudenga. Nyeredzi yakapiwa kiyi yegomba rakadzika zvisina mugumo. 2Akati azarura gomba rakadzika zvisina mugumo, utsi hwakabuda mariri soutsi hunobva muvira guru romoto. Zuva nomwedzi zvakasvibiswa noutsi hwaibva mugomba rakadzika zvisina mugumo. 3Uye muutsi makabuda mhashu dzikauya panyika uye dzikapiwa simba rakaita serezvinyavada zvenyika. 4Dzakaudzwa kuti dzirege kuparadza uswa hwenyika kana zvirimwa, kana miti ipi zvayo, asi vanhu vaya chete vakanga vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo. 5Hadzina kupiwa simba rokuvauraya, asi kungovarwadzisa chete kwemwedzi mishanu. Uye kurwadziwa kwavo kwakanga kwakaita sokworumborera rwechinyavada pachinoruma munhu. 6Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu, asi havangaruwani; vachashuva kufa asi kufa kuchavanzvenga.

7Mhashu dzakanga dzakaita samabhiza agadzirirwa kundorwa. Pamisoro yadzo dzakanga dzakapfeka zvinhu zvinenge korona yegoridhe, uye zviso zvadzo zvakaita sezvavanhu. 8Bvudzi radzo rakanga rakaita sebvudzi romukadzi, uye meno adzo akanga akaita semeno eshumba. 9Dzakanga dzine zvidzitiro zvechipfuva zvakaita sezvidzitiro zvesimbi, uye mubvumo wamapapiro wakanga wakaita sokutinhira kwengoro namabhiza mazhinji ari kumhanyira kundorwa. 10Dzakanga dzine miswe norumborera sorwezvinyavada, uye mumiswe yadzo dzakanga dzine simba rokurwadzisa vanhu kwemwedzi mishanu. 11Dzakanga dzino mutumwa wegomba rakadzika zvisina mugumo, samambo wadzo, zita rake muchiHebheru ndiAbhadhoni, uye muchiGiriki, ndiAporioni.

12Nhamo yokutanga yapfuura; dzimwe nhamo mbiri dziri kutevera.

13Mutumwa wechitanhatu akaridza hwamanda yake, ndikanzwa inzwi richibuda munyanga dzearitari yegoridhe iri pamberi paMwari. 14Rakati kumutumwa wechitanhatu akanga ane hwamanda, “Sunungura vatumwa vana, vakasungwa parwizi rukuru Yufuratesi.” 15Uye vatumwa vana vakanga vakagadzirirwa zveawa yacho iyoyo, zuva iroro, mwedzi iwoyo, negore iroro, vakasunungurwa kuti vauraye chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu. 16Kuwanda kwavarwi vamabhiza kwaiva mamiriyoni mazana maviri. Ndakanzwa kuwanda kwavo.

17Mabhiza navatasvi vandakaona muchiratidzo changu vakanga vakadai: Zvidzitiro zvavo zvechipfuva zvakanga zviri zvitsvuku, nezvitema, uye zviri yero sesafuri. Misoro yamabhiza yakanga yakafanana nemisoro yeshumba, uye mumuromo mazvo maibuda moto, noutsi nesafuri. 18Chikamu chimwe chete muzvitatu chamarudzi avanhu chakaurayiwa namatambudziko matatu omoto, utsi nesafuri zvakabuda mumiromo yawo. 19Simba ramabhiza rakanga riri mumiromo yawo nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakanga yakaita senyoka, ine misoro yaayiruma nayo.

20Vakasara vavanhu vasina kuurayiwa namatambudziko aya havana kutendeuka pabasa ramaoko avo; havana kurega kunamata madhimoni, nokunamata zvifananidzo zvegoridhe, sirivha, nendarira, matombo namatanda, zvifananidzo zvisingagoni kuona, kunzwa kana kufamba. 21Uye havana kutendeuka muumhondi hwavo, pauroyi hwavo, napaupombwe hwavo, kana kuba kwavo.

Copyright information for SnaBDSC